Tino Mazorodze Avatar
By Tino MazorodzePresident, IBZim Blog

Heano maZimbabweans anonakidza kuona muna 2024

media
rankings
3 mins

Kana uri munhu akasununguka unorarama upenyu une mufaro. MuZimbabwe mune vanhu vakati wandei vanoita nezvekomedhi asi havasi vese vanosekesa. Ndanyora vandinofarira ndichivimba kuti uchavafarirawo.

MaZimbabweans anonyanya kunakidza | IBZIM

MaZimbabweans 10 anoita zvekomedhi anonyanya kunakidza

1. Learnmore Jonasi

Zita raLearnmore Jonasi kana kuti Long John rekuberekwa ndi Learnmore Mwanyenyeka. Akawana ruremekedzo rukuru kwazvo ku America's Got Talent pamusoro pemamwe ma NAMA Awards mu Zimbabwe.

2. Mama Vee

Zita raMama Vee chairo rekuberekwa ndi Admire Mushamba. Ndiye mumwe yemaZimbabweans anonyanya kusekesa vanhu. Ane zviuru nezviuru zvevanhu vanoona mavhidhiyo ake.

3. Chiefben

Chiefben akatanga kuita zvekomedhi mugore na 2018. Akatanga kunyanya kuzivikanwa mugore ra2024. Chiefben mujaya achiri kuchikoro asi anoenderera mberi kugadzira mavhidhiyo ekuti tiseke.

4. Nigel The Slick Pastor

Zita ra Slick Pastor rekuberekwa ndi Nigel Maritinyu. Mukabvunza ini ndinokuudza kuti murumwe uyu anorigona basa iri rekunakidza vanhu.

5. King Kandoro

King Kandoro muZimbabwean anoita zvekomedhi ari kunze kweNyika. Ane zvakawanda wanda zvaanoita kusanganisira chionekwa chinonzi "Sadza in the morning".

6. Kimnanah53

Kimnanah chimhandara chinoita zvekomedhi mumavhidhiyo. Anonyanya kuzivikanwa nemavhidhiyo ake anoti "Neighbour" neekuti "Madzimai Ruth".

7. Moojaya ZW

Moojaya_zw uyo anozikanwa zvekare achinzi skeomufasa mujaya anoita zvekugadzira mavhidhiyo anosekesa vanhu pa Instagram nepa TikTok.

8. ComicElderOfficial

Comic Elder mumwe wemaZimbabweans anoita zvekomedhi. Mavhidhiyo ake unokwanisa kumawana pa Youtube, Facebook, Instagram ne TikTok.

9. Gosh ZW

Gosh anoshanda ne Talem Films kugadzira mavhidhiyo anonakidza. Anonyanya kuzivikanwa nekuekita padrama rinonzi "Dear Natasha" riri pa YouTube.

10. Kingsleezw

Kingsley ave nekanguva mbichana achiita zvekugadzira mavhidhiyo anonakidza. Haana kuiswa pekupedzisira nekusanyanya kugona asi ndiri kupendre chinyorwa ichi nevhidhiyo rinonakidza zvekare.