Watida Mafuta Avatar
By Watida MafutaVP, Content, Editor-in-Chief

Vabiki vemimhanzi yemuZimbabwe: Kuseri kwengoma

media
rankings
3 mins

Wakambozvifunga here kuti ndiani akagadziro ngoma renziyo iyi. Mimhanzi inowanzorira zvisingaite inenge ine ngoma rinonakidza kwazvo. Vanotevera ndivo vanhu vari kuseri kwemimhanzi yatoda vachibika mangoma ayo.

Vabiki Vemimhanzi vanogonesa muZimbabwe | IBZIM

1. OSKID

OSKID - IBZIM Blog

Oskid ndiye akabika mangoma emimhanzi mizhinji yeZimdancehall. Zita rake rekuberekwa anonzi Prince Tapfuma. Akagadziria vanhu vanosanganisira Winky D na Killer T.

2. DJ TAMUKA

DJ TAMUKA - IBZIM Blog

Uyu mubiki ane chipo chikuru kwazvo pakubika mangoma emimhanzi. Akabikira vaimbi vanosanganisira Ex-Q, Ammarra Brown na Enzo Ishall.

3. Levels Chillspot

 Levels Chillspot - IBZIM Blog

Vanhu vazhinji vanoziva mubiki uyu nemangoma ake eZimdancehall. Zita rake rekuberekwa anonzi Tafadzwa Kadzimwe. Akabikira vaimbi vazhinji kusanganisira Freeman na Winky D.

4. NICKY GENIUS

NICKY GENIUS - IBZIM Blog

Zita rake rekuberekwa anonzo Norman Chipfumbu. Mujaya uyu akakurira mu Kuwadzana. Akabika ngoma panziyo zhinji dzakarira dzevaimbi vanosanganisira Winky D, Buffalo Souljah na Anatoria.

5. RODNEY BEATZ

RODNEY BEATZ - IBZIM Blog

Zita rake rekuberekwa anonzi Rodney Tendai Gabriel Sibanda. Anobva kuMarondera. Akabikira vaimbi vakuru mangoma emimhanzi yavo kusanganisiria Jah Prayzah.

6. Nasper Incoming

Nasper Incoming - IBZIM Blog

Nasper uyu akabikira vaimbi vatsva mangoma emimhanzi yavo yakarira zvikuru kusanganisira "Ramba Wakadzvanya" ne "Sei Sei". Akadzirira vaimbi vanosanganisira Tamy Moyo na ExQ.

7. YOUNG NASH

YOUNG NASH - IBZIM Blog

Zita rake rekuberekwa anonzi Tapiwa Nyagwaya. Akatanga kuita zvekubika mangoma emimhanzi mugore ra 2011. Akabikiria vaimbi vanosanganisiria Brian Soko, ShaSha, Takura na Jah Prayzah.

8. C.O.G

C.O.G - IBZIM Blog

Zita rake rremadunurirwa C.O.G rakamirira "Child Of God" asi zita rake rekuberekwa anozni Courage Manyumwa. Ndiye akabika ngoma riri panziyo yaTakura yakarira kwazvo inonzi Zino Irema. Akabikira zvekare Lamont Chitepo, Michael Mahendere na Kuda Mutsvene.

9. PIP KEMBO (DR CHAII)

PIP KEMBO (DR CHAII) - IBZIM Blog

Zita rake anonzi Philip Kembo. Akabikira vaimbi vanosanganisira Bantu, Dua Lipa na Chris Brown.

10. JAMAL NO LIMITS

JAMAL NO LIMITS - IBZIM Blog

Jamal Brian Chimuka mubiki ane chipo anobva kuChitungwiza. Akagadzira ngoma panziyo dzinosanganisira Kure ya Ishan na T Gonzi muna 2019. Ndiye zvekare akabika pa 'Siya Something' ya Enzo Ishal ne 'Chocoloco' ya Herman.