Tino Muzovaka Avatar
By Tino MuzovakaSenior, Writer

Gtel Infinity 13: Nhare Yavo Yakanakisa?

tech
reviews
4 mins

Makambonzwa nezveGtel, hapana asina. Kana uri muZimbabwe chete usingagari pasi pedombo, unotoziva kuti Gtel chii. Gtel yakabata nzvimbo yayo mumusika wenhare uye vakaita zvimwechete zvakare nenhare yavo Infinity 13. Iye zvino ngatitaure zvenhare iyi.

Infinity 13: Gtel yakanakisa muna 2024? | IBZIM

Gtel Infinity 13: Zvainazvo

Gtel Infinity 13 ine maspecs anokatyamadza pamutengo wakaderera unotangira pakati pemadhora zana nemakumi masere nemazana maviri. Nhare iyi ine chinangwa chekubata moyo yevanhu vanokoshesa mari vachiisa pamberi kushanda kwenhare yacho. Niaizvozvo ungave usiri mudziyo wakakodzera kune wese munhu, ngatitangei tanyora pasi izvo zvaivazvo ndozotsanangura zvandiri kureva.

Specification Details
OS Android 13
Chip Octa Core 2.0Ghz
Camera Quad 50MP + 2MP + 2MP + VGA
Storage 128GB (expandable to 256GB)
RAM 6GB
Network 3G/4G/5G
Battery 5000mAh
Price $180 - $200
Display 6.5" IPS, waterdrop display

Gtel Infinity 13 mukwikwidzi akasimba muchikamu chenhare dzakachipa apa ine Android 13 OS, yakatakura octa-core processor, uye ine quad-camera. Nekudaro, ngationei kuti inomira sei pamakwikwi.

Kukwikwidza kweGtel pamusika wenhare

MuZimbabwe, Gtel yakatarisana nemakwikwi akaomarara kubva kukambani dzakaita seTecno neItel, dzinozivikanwa nekuchipa kwenhare dzadzo, pamwe nekambani hombe dzepasi rose dzakaita sana Samsung, Xiaomi, neHuawei. Gtel parizvino haisi pakati pevakwikwidzi vepamusoro mumusika wemuZimbabwe wemafoni, sezvakataurwa neStatCounter. Izvi zvinoratidza kuti vachiri nerwendo rurefu rwekuita kuti vakwikwidze mune veruzhinji. Midziyo yavo haisati yazviratidza kuti inhare dzinokwikwidza nedzimwe dzinowanikwa nemutengo wepasi, kunyanya kana yakaturikidzana nemhando dzakadai seItel, iyo inopa maspecs anokwikwidza pamitengo iri pasi. Gtel inofanirwa kusimudzira nhare dzayo kuti ikwikwidza zvirinani nevatambi vakasimba ava.

Chati inoratidza Mobile Vendor Market Share Zimbabwe kubva muna Chikumi 2023 kusvika Chikunguru 2024 - IBZIM Blog
(Image Credit: statcounter.com)

Nei iyo Gtel Infinity 13 iri Nhare Yavo Yakanakisa

Infinity 13 inoratidza kuvandudzwa kwakakosha pane nhare dzakapfuura dzeGtel. Inomiririra shuviro yaGtel yekutora chikamu chemusika chakakura. Izvi hazvina zvazvinoratidza pamusika wese wenhare muZimbabwe. Kunyange iyo Infinity 13 iri nhare yavo yakanakisa muzuva ranhasi, kune dzimwe nhare dzaunokwanisa kuwana nemitengo yakaderera pamwe, ngatitaure nezvakashatira Infinity 13.

Zvakashatira Infinity 13

Gtel Infinity 13 inogona kudonha mune dzimwe nzvimbo zvichienzaniswa nevakwikwidzi vayo. Nyaya dzakaita sekushaikwa kwezvinhu zvepamberi senge AMOLED, kukurumidza kuchaja, kana kuwedzera RAM. Magadzirirwo ayo anogona kutadzisa vamwe vatengi kutsvaga kukosha kwakawanda pairi.

Nhare dzirinani pane Infinity 13

Ngatitarisei dzimwe nhare dzirinani pane Infinity 13:

itel S24

Specification Details
OS Android 13
Chip Octa Core 2x2.0GHz & 6x1.8GHz
Camera Dual 108MP Main and 0.08MP auxiliary lens
Storage 128GB/256GB (expandable)
RAM 4GB/8GB
Network 2G/3G/4G
Battery 5000mAh
Price $120 - $140
Display 6.6" IPS, punch-hole display

itel P55

Specification Details
OS Android 13
Chip Octa Core 8x1.6GHz
Camera Dual 50MP Main and 0.08MP auxiliary lens
Storage 128GB/256GB (expandable)
RAM 4GB/8GB
Network 2G/3G/4G
Battery 5000mAh
Price $110 - $120
Display 6.6" IPS, punch-hole display

Tecno Spark 20

Specification Details
OS Android 13
Chip Octa Core 2x2.0GHz & 6x1.8GHz
Camera Dual 50MP Main and 0.08MP auxiliary lens
Storage 128GB/256GB (expandable)
RAM 4GB/8GB
Network 2G/3G/4G
Battery 5000mAh
Price $120 - $140
Display 6.6" IPS, punch-hole display

Tecno Spark 20c

Specification Details
OS Android 13
Chip Octa Core 2.2GHz
Camera Dual 50MP Main and 0.08MP auxiliary lens
Storage 128GB/256GB (expandable)
RAM 4GB/8GB
Network 2G/3G/4G
Battery 5000mAh
Price $140 - $160
Display 6.6" IPS, punch-hole display

Naizvozvo Gtel inokwikwidza muchikamu chenhare dzakachipa, zvakakodzera kufunga nezvedzimwe nhare dzesarudza kubva kumhando dzakaita seSamsung, Xiaomi, uye Huawei. Pamusoro pezvo, kutenga nhare dzekare kubva kumakambani mahombe kunogona kukupa nhare hombe pamitengo yakaderedzwa, kunyangwe kuwanikwa kwayo uye mamiriro anogona kusiyana.

Mhedziso

Gtel Infinity 13 inocherekedza danho rakakosha remberi kuGtel, ichipa maspecs akanaka pamutengo unokwezva, asi inogona kunge isiri iyo sarudzo yakanakisa muna 2024. Nedzimwe nhare dziri nani dzinowanikwa kubva kune vamwe vakwikwidzi, iwe semutengi ungawana nhare irinani kumwewo.

Related Articles