Tino Muzovaka Avatar
By Tino MuzovakaSenior, Writer

MaLaptop Akachipa Ekutenga muZimbabwe muna2024

tech
rankings
4 mins

Kusarudza laptop yakanaka kwakakosha zvisinei nekuti unoda kuishandisa chii. Iyi inogona kunge iri sarudzo yakaoma, sekwandiri yainetsa. Chinhu chikuru chinomisa ibhajeti sezvo bhajeti yako iriyo inosarudza zvese, saka ngatitarisei malaptop akachipa akanaka anowanikwa pamusika.

MaLaptop akachipa muZimbabwe anotengeka | IBZIM

Malaptop akachipa akanyanyonaka kune chero munhu anoda kumashandisa pazvinhu zvemazuva ese zvisingade simba rakawanda. Iwo akanakira mabasa emazuva ese akadai sekuona zvinhu pamasai sai, kunyora, uye kuita zvenhau kana mafirimu. Aya malaptop ndeevanhu vanokoshesa mutengo yakaderera vasina basa nezvakawanda, vanongoda laptop yekushandisa.

Hedzino sarudzo dzangu gumi:

HP Stream 14

Mupikicha weHP Stream 14 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 300 USD
Processor Intel Celeron N4020
RAM 4GB
Storage 64GB eMMC
Screen Size 14-inch

HP Stream 14 ine Intel Celeron N4020 processor, 4GB RAM, uye 64GB eMMC storage. Dhizaini yayo haina huremu uye inouya ine Office 365 zvinoita kuti ive sarudzo yakanaka yemabasa akareruka.

Lenovo IdeaPad 1

Mupikicha weLenovo IdeaPad 1 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 280 USD
Processor AMD A6-9220e
RAM 4GB
Storage 64GB eMMC
Screen Size 14-inch

Lenovo IdeaPad 1 idiki padhizaini uye byakachipa, yakanakira kuona ona pamasai sai uye kuita zvezvinyorwa, uye ine AMD A6-9220e processor, 4GB RAM, uye 64GB eMMC storage.

Dell Inspiron 15 3000

Mupikicha weDell Inspiron 15 3000 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 400 USD
Processor Intel Pentium Silver N5030
RAM 4GB
Storage 128GB SSD
Screen Size 15.6-inch

Dell Inspiron 15 3000 ine Intel Pentium Silver N5030 processor, 4GB RAM, uye 128GB SSD, storage 15.6-inch full HD screen yakakodzera kuita zvakawanda nayo uye kushandiswa kwenhau nemafirimu.

Acer Aspire 1

Mupikicha weAcer Aspire 1 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 330 USD
Processor Intel Celeron N4500
RAM 4GB
Storage 64GB eMMC
Screen Size 15.6-inch

Iyi ine Intel Celeron N4500 processor, 4GB RAM, uye 64GB eMMC storage, Acer Aspire 1 ine dhizaini yakatetepa uye full HD screen yakanakira kuita mabasa akawanda panguva imwe.

Asus VivoBook 15

Mupikicha weAsus VivoBook 15 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 450 USD
Processor AMD Ryzen 3 3250U
RAM 8GB
Storage 128GB SSD
Screen Size 15.6-inch

Asus VivoBook 15 ilaptop ine AMD Ryzen 3 3250U processor, 8GB RAM, uye ine 128GB SSD, inoshandisika zvakanaka pakuita zvinhu zvakawanda panguva imwechete, uye ine keyboard ine zvimwenje muzasi.

Lenovo Chromebook Flex 5

Mupikicha weLenovo Chromebook Flex 5 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 380 USD
Processor Intel Core i3-10110U
RAM 4GB
Storage 64GB eMMC
Screen Size 13.3-inch

Lenovo Chromebook Flex 5 i2-in-1 Chromebook ine Intel Core i3-10110U processor, 4GB RAM, uye 64GB eMMC storage, laptop iyi ine dhizaini inoshanduka kuita tablet uye ine screen inobaika.

HP Chromebook 14

Mupikicha weHP Chromebook 14 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 250 USD
Processor Intel Celeron N4000
RAM 4GB
Storage 32GB eMMC
Screen Size 14-inch

Iyi HP iChromebook ine Intel Celeron N4000 processor, 4GB RAM, uye 32GB eMMC storage, haina huremu uye ine battery rinoshanda kwenguva yakareba.

Acer Chromebook Spin 311

Mupikicha weChromebook Spin 311 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 290 USD
Processor MediaTek MT8183
RAM 4GB
Storage 32GB eMMC
Screen Size 11.6-inch

Iine MediaTek MT8183 processor, 4GB RAM, uye 32GB eMMC storage, iyo Acer Chromebook Spin 311 idiki uye inoshanda zvakasiyana-siyana, ingava laptop kana tablet uye ine screen inobaika.

Samsung Chromebook 4

Mupikicha weSamsung Chromebook 4 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 230 USD
Processor Intel Celeron N4020
RAM 4GB
Storage 32GB eMMC
Screen Size 11.6-inch

Samsung Chromebook 4 ine Intel Celeron N4020 processor, 4GB RAM, uye 32GB eMMC storage, yakanakira kuona ona kuri nyore pamasai sai uye kunyora zvinyorwa.

Dell Chromebook 3100

Mhikicha yeDell Chromebook 3100 - IBZIM Blog
Specification Details
Price 260 USD
Processor Intel Celeron N4000
RAM 4GB
Storage 16GB eMMC
Screen Size 11.6-inch

Dell Chromebook 3100 ine Intel Celeron N4000 processor, 4GB RAM, uye 16GB eMMC storage, ine chimiro chakaoma chinonetsa kuuraya chekushandisa kwemazuva ese.

Mhedziso

Kunyangwe malaptop akachipa achipa zvakakosha zvemakomputa zvinodiwa, zvingave zvakakosha kutarisa malaptop epakati nepakati akagadziridzwa , ayo anova iwo anokupa simba rakati wandei pamitengo yakafanana. Kune avo vanofarira epakati nepakati, epamusoro, uye emitambo, garai makamirira zvinyorwa zviri kuuya zvinopa ruzivo rwakadzama uye kurudziro dzakagadzirirwa chikamu chimwe nechimwe.

Related Articles